Romans 9

Kusatenda kweVaJudha nekuraswa kwavo

1Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handinyepi, hana yangu ichipupurirana neni muMweya Mutsvene, 2kuti ndinoshushikana kwazvo, neshungu dzisingaperi mumoyo mangu. 3Nokuti ndaishuva kuti ini ndomene nditukwe kuna Kristu nekuda kwehama dzangu, verudzi rwangu panyama; 4vari VaIsraeri, vane kuitwa vana, nekubwinya, nesungano, nekupiwa kwemurairo, neushumiri hwaMwari, nezvivimbiso, 5madzibaba ndeavo, naKristu wakabva kwavari panyama, ari pamusoro pezvese, Mwari anokudzwa narinhi. Ameni. 6Asi kwete shoko raMwari serakakundikana. Nokuti havasi vese vakabva kuna Israeri, vari VaIsraeri; 7kwete nokuti imbeu yaAbhurahama, vese vana; asi zvinonzi: Kuna Isaka ndiko kuchadanwa mbeu yako. 8Ndiko kuti, havasi vana venyama, ivo vari vana vaMwari; asi vana vechivimbiso vanoverengerwa kumbeu. 9Nokuti iri ishoko rechivimbiso rinoti: Nenguva ino ndichauya, uye Sara achava nemwanakomana. 10Handizvo chete, asi naRibheka wakati ava nemimba neumwe, Isaka baba vedu; 11nokuti vana vasati vaberekwa, kana kumboita chakanaka kana chakaipa, kuti zano raMwari maererano nesananguro rigare, kwete kubva pamabasa, asi kubva kune anodana, 12zvakataurwa kwaari kuti: Mukuru achashumira mudiki, 13sezvazvakanyorwa zvichinzi: Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga. 14Ko zvino tichatii? Kusarurama kuriko kuna Mwari here? Ngazvisadaro! 15Nokuti anoti kuna Mozisi: Ndichava netsitsi kune wandine tsitsi naye, ndichanzwira ngoni wandinonzwira ngoni. 16Naizvozvo zvakadaro hazvisi zveanoda, kana zveanomhanya, asi zvaMwari anonzwira tsitsi. 17Nokuti rugwaro rwunoti kuna Farao: Ndizvozvi zvandakakumutsira, kuti ndiratidze simba rangu mauri, uye kuti zita rangu riparidzwe panyika yese. 18Naizvozvo zvino anonzwira tsitsi iye waanoda; uye anowomesa moyo wewaanoda. 19Zvino iwe uchati kwandiri: Iye achiri kuwanirei mhosva? Nokuti ndiani angapikisa kuda kwake? 20Haiwa, iwe munhu ndiwe ani anokakavadza Mwari? Chakaumbiwa chingati here kune wakaumba: Wakandiitirei sezvizvi? 21Kana muumbi haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe aite mudziyo umwe unokudzwa, neumwe unozvidzwa? 22Uye kana Mwari achida kuratidza hasha, nekuzivisa simba rake, wakatakura nemoyo murefu kwazvo midziyo yehasha yakagadzirirwa kuparadzwa; 23uye kuti azivise fuma yekubwinya kwake pamidziyo yetsitsi, yaakagara agadzirira kubwinya, 24nesu, vaakadana, yatiri isu, kusiri kuVaJudha chete, asi nekuvahedheni? 25Sezvaanorevawo muna Hosiya achiti: Ndichavaidza vanhu vangu ivo vasiri vanhu vangu; naiye wakange asingadikanwi mudikanwi; 26zvino zvichaitika kuti, panzvimbo pazvakanzi kwavari: Hamusi vanhu vangu imwi, ipapo vachaidzwa vana vaMwari mupenyu. 27Isaya anodanidzirawo maererano naIsraeri achiti: Kunyange uwandu hwevana vaIsraeri hukaita sejecha regungwa, vakasara vachaponeswa; 28nokuti achapedza basa nekurigurisira mukururama; nokuti Ishe achagurisira basa panyika. 29Uye Isaya sezvaakagara areva achiti: Dai Ishe wehondo asina kutisiira mbeu, tingadai takava seSodhoma, uye takaitwa takafanana neGomora. 30Ko tichatii? Kuti vahedheni vasingatsvaki kururama, vakabata kururama, iko kururama kunobva parutendo; 31asi Israeri, achitsvaka murairo wekururama, haana kusvika pamurairo wekururama. 32Nekuda kwei? Nokuti havana kutsvaka nerutendo, asi nezvainge namabasa emurairo; nokuti vakagumburwa pabwe rekugumbura. 33Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Tarira, ndinoisa paZiyoni ibwe rekugumbura nedombo rechipinganidzo; uye ani nani anotenda kwaari haanganyadziswi.
Copyright information for Shona